Ndini zvangu Chazezesa, hapana anoti bufu! patsiva
Patsiva vanotiziva, kungosvika pane zvibhakera,
Tinoti nechemumoyo "mudzimu waro bonga kuwona huku dzichirwa"
Iwo mawoko edu agara achiswinya nechekare,
Zenze rinomira kana tave patsiva
Sezvo kuri kudya kwedu,
Kufemera pedyo neni chete kana kunditsika shangu ummm! ! !
Unochitaura chakatadza kuti imbwa itadze kutaura ichigona ichinyenama
Kukuvhara mbama imwe chete,
unosvipirwa masikati machena zuva rakacheka nyika kuti bha-a! !
iro Gazi hatitaure
pasina nguva rinoyerera semvura iri murwizi, zvibhakera ndiko kudya kwedu vana CHAZEZESA MUTUNHU UNE MAGO,
This poem has not been translated into any other language yet.
I would like to translate this poem