Mbodza Poem by Munyaradzi donald II Kuutsi

Mbodza

Ya! ! ! Waizviti wakangwara, uchizviti tsuro magen'a, uchizvirova dundundu,
uchinochaya mapoto nepfambi
uchivanza, mbodza yako yawaibika, tarira uwone nhasi chawakadya chamuka,
waiti haubatwe, hapana chakavanzika chisingafe chakabida pachena, heyo iyo Mbodza yawatibikira yozvimbira vamwe newe pachako,
Nhai mukuru wangu, zvawabika mbodza mushure mekunge uchichaya mapoto nepfambi dzako, zviri mumaziso evaduku uchatiiko? Magwana vaduku vachabikawo mbodza vongonongedzera iwe,
Gudo guru peta muswe vaduku vakutye, zvino kana uchichaya mapoto vadiki vakatarira uri kudzidzisei vaduku pane ramangwana, tarira mbodza yawakabika yozvimbira nevasina mhosva, ehe! ! Waiti wakangwara tarira uwone mbodza yawabika yave kuzvimbira nevasina mhosva, kadembo kako kawakavhiira paruzhinji koti nhuwira mukuru wangu,
Nembodza iyi yawakabika trira uwone nhasi tave chiseko chenyika, tonyarira kupi, dai pasi paitimedza hedu tombohwanda kuitwa chiseko chenyika zvaive nani, mukuru wangu wabika Mbodza...

COMMENTS OF THE POEM
READ THIS POEM IN OTHER LANGUAGES
Close
Error Success