Ndedzemwanasikana. Poem by Poet jerrimos mugweni(ZVAVANHUVEVHU)

Ndedzemwanasikana.

Ndiro dzadyirwa, dzakadyirwa Zuro. Dzavatiro nanairwa namapete husiku hwese. Hazvinei Hazvinei anga ari kumunda. Kwaanga anendima yakakunda yavose. Paya azobuda kumucheto Ndiye gwada. Nemukombe mvo-o. Muchirongo Chemahewu azuro. Huro ndiye gudungu Gudungu! . Ikodzero dzake mwana sikana. Asi zvinongonzi... NDEDZEMWANASIKANA. Tande kuchikoro savamwe ndindoravira Fundo. Chinyoreso kuruboshwe. Twumabhuku kurudyi. Mainhiya tokanda nhanho , wanonoka unochiwona. Namo mugan'arara remupata wejiri. Mhino tongokweva dzibwa senjiri i. Pfungwa nemwoyo. Kwazvakarehwa Nekuti fundo ikodzero dzemwanasikana. 'IWE MIRAPO O! .' Hana tiba a. Mwoyo pwati i. Meso Cheu cheu. Che u che e e e e eu. Ndiye takarasima naro Bhinyakodzero rozvikakamadza. Rozvirova dundundundu rozvitundumadza. Mudhebe warakata. Remwana wavaridzi bvaru u, kwakadaro. Wabaiwa panyama nhete zvino yangova mhere. Misodzi mwarakata. Mwarakata. Mwarakata. Kudzichemera. Kuchema kunenge kuchemerera. Kuchemerera kunge kuchema. Nekuti dzapepereka dzake kodzero.

POET'S NOTES ABOUT THE POEM
This poem is a shona meditation. On the Abuse of the fundamental cardinal human Rights of a Girl child. It brings pain, sorrow, pitty, emmotion, hummour and love. Which a shona fluent individual can extrapolate in the texts. Poem written For the Girl child Worldwide for Today, Tommorow and generations to come.
COMMENTS OF THE POEM
READ THIS POEM IN OTHER LANGUAGES
Poet jerrimos mugweni(ZVAVANHUVEVHU)

Poet jerrimos mugweni(ZVAVANHUVEVHU)

gutu mission hospital. Gutu, Zimbabwe
Close
Error Success