Doro Poem by Munyaradzi donald II Kuutsi

Doro

Ndini zvangu hwahwa,
unondivinga wega ini ndakadekara,
Wozunza hako mashereni ekunditenga,
Mari yekunditsvaga haishaikwe kana yakubata nhomba,
asi yemuriwo nekupinza vana chikoro unoishaya...

Ndini hangu doro tasangana pamuromo, wondikweva hangu
ndichidzika midzi mupfungwa dzako, ndini ndinenge ndave mukuru kwauri ndichikuudzira zvekuita..Hapana anoti pwe kuneni kana ndichinge ndadzika midzi mauri, ndiri mharadzi huru
patsiva hedu tinopinda, ndakadzika midzi mauri, handikusiye...
Ndakubata hangu handikusiye
hekani waro wanyatsokoriwa pamadhirezi nepfambi ndinoti
mudzimu waro bonga kuwana huku dzichirwa, hatinonoke
zveshura matongo imwe nyaya
paunozoti pengenu ini pangu ndinenge ndapedza,
Ndakadzika midzi mauri hako he he kumba hakudyiwe rinopisa paunosvika kumba, mbama ndiwo unenge uri muswereso kuna vadzimai, tsiva totanga hedu, sarei mangwana paunopepuka ini ndinenge ndaenda wodemba chawakazviitira se dafi rino yeuka
kukosha kwemvura mudhamu kana ichinge yapwa,
ndini hangu doro handina tsitsi newe ndinoita zinyekenyeke ndichifuridzira segonzo, chiropa ndinosvibisa kusvika wave mapfupa unoisiya nyika zuva rakati bha, angave mangwanani angave masikati,
ukagara kumba kwako handikuvinge asi kuti wandivinga hako tinoenda tose ndikakuitira mashiripiti, ukanditsvaga haundishaye, pese pawadira kundishanyira handishaike, ndini zvangu doro

COMMENTS OF THE POEM
READ THIS POEM IN OTHER LANGUAGES
Close
Error Success