Mhayi Zvamarovera pasi Zvawanda,
Nemi Baba, murikungosiya, Makati hanger.
Semi zvenyu sekuru, pachainzi Bwa a a, Maivepi! ? .
Pano ndauya nawo Mufungo Mutsva,
Hameno zvavo, vanosvotwa. Nezvitsva,
Serumbo vachaita, serwatsva-tsva-tsva rwakatsva murutsva.
Sezvo ndati pasina kubatana, hapana chinobuda Chitsva.
Uyu mufungo kune uyo afunga Gunga.
Wafunga Zvawafunga, Funga kusvika vati, 'pafungwa.'
Vasazosara vachitsutsumwa kuti 'Ha a a ah! , patsikwa tsikwa.'
Wafunga zvawafunga, ukafunga zvaunofunga.
Mupfungwa, wozviwudza kuti, ' Wafunga a a! .'
Iwe hezvo kana hapana zvawafunga.
Nokuti Gunga, harina kumbopinda Mune dzako Pfungwa.
Zvafungwa, hapana Mupfungwa.
Pamifungo inofungwa , Nevafungi
VemuZimbabwe Vane pfungwa Dzokufunga.
Vanoti kana vafunga zvotowonekwa kuti pafungwa.
Vanofunga, Gunga! Zimbabwe mupfungwa.
Vobatana nezvido zvaVanhu, Mupfungwa.
Dzavo pfungwa vodzipakurirana navose.
Voti funga, kusvika vati pafungwa.
Ukawona, poridzwa mheterwa, mipururu nendgaringo.
Panenge pafungwa navafungi VeGunga-Isizwe, Bond ReZimbabwe! .
Harisi Co-Vallent Bond.
Haringamboiti Dipoles dipoles.
Harina kusimba. Se pole remureza.
Haringamboiti Metallic Bond.
Handingadi kuti rive Ionic Bond.
Kwandiri I Gunga-Isizwe><Bond.
This poem has not been translated into any other language yet.
I would like to translate this poem