Tidzidziseiwo Kuzvitonga. Poem by Poet jerrimos mugweni(ZVAVANHUVEVHU)

Tidzidziseiwo Kuzvitonga.

Tidzidziseyiwo Kutonga. Kuti tigone Kuzvitonga. Tigova vanhu vane kwavo Kuzere kuzvitonga. Tisazombovave Vatongwa a ah! Tidzidziseyi Tsika NaMagariro savanhu Vatema. Tisava makara Asiwonani Vana VanyaMunhu. Nekuti Kununa Hudyj Kamwe. Tidzidziseyi kupa, kuda nekudanana nekuti watinopfugamira ndomumwe e. Ndiwezve achatitonga mumwe noMumwe. Usandinongedza zvako neGunwe. Usanditenga mwoyo Nedoro handimwe. Usandinyemwerera nezino Rimwe. Ndini Zimbabwe Wakandigarira. Nokuti Rako Guvhu ndakayamwa. Tidzidziseiwo Kuzvitonga, hatina Kufunda. Namazita taikopera munozviziva. Takagumira pamukova vamwe vachidzidza isu tande e Kudziva. Tiri vana vomunhu mumwe hatigoni kutongana. Tidzidziseyiwo! .

COMMENTS OF THE POEM
READ THIS POEM IN OTHER LANGUAGES
Poet jerrimos mugweni(ZVAVANHUVEVHU)

Poet jerrimos mugweni(ZVAVANHUVEVHU)

gutu mission hospital. Gutu, Zimbabwe
Close
Error Success