Ndiripo pahuro yaMuchandiguta ndakaridza huwii.
Ndatorahwamanda ndakarikwama chiripo ripo.
Ndakaringa kuti Marwei anzwa kuti kwaita humambo,
Ndoringa mabvazuva kuti Tichatonga akaita zvembwa nhatu akatungamidza machinga,
Kumapiripiti egomo Soko ndavaona vabata mbuva,
Mashongera vaive vatosvika neravo ganda vayi-vayi
ShumbaChena heyoo heyoo yohombera pasi nemiti dzichidaira,
Chinomira choga imbada mhumi mushandirapamwe.
Gwedzamwoyo ndakamuringa, pamusoro pemiri nemakomo, Handina kuona nyemwe yake,
Ndakasheedzera Wadiwa wepamoyo, Shewe aigove maungira ezwi rangu raikwapura Chivandire rechidzoka munzveve.
Chawawana muGomo ndechako, chakutungamidza musango wapihwa nevakuMhepo,
Kumativi arikure ndakamuona Nyamuziwa achidedza zviriko
Nehoreka apotsera ruoko handei neanoyenda
This poem has not been translated into any other language yet.
I would like to translate this poem