Kufa Sandikupusa Poem by Tatenda Rimai

Kufa Sandikupusa

Kufa sandikupusa

Kufa chete andisi mbwende
Mbwende yekuti muite dambe panhaka yangu
Kufa chiga mwari
Kufa murau wamwari
Ndatungamira zvangu asi muchatevera
Ondoreva manyoro ndiyo nhaka
Nhaka yemidziyo siirai mapudzi angu

Kufa chete andisi dahwa
Chamakabata ndichikufema musabata
Kubata ziva wabata vhunze romoto
Musada zvenyu zvamahara senge honye
Yangu ngozi inososona sehurukuzu
Vaya vekuvhiya tambirai kure
Pangu parufu mosvusvura mvura
Mauya kuonekana neni kwete kumachikichori
Mombe, mbudzi, huku, siirai vene

Kufa chete handisi gwara
Vaya vekundishongedza ndave chando kure kure mongondisiya mumamvemve angu
Inyasha dzei mvana kubvisa mwana usiwayo madzihwa
Ndisiyei ndakadero nemarengenya angu
rei bokisi nani kunditsveta muhuruwa
Dzenyu mari tengai zvimwe

Kufa chete chete andisi fuza
Kutema bazi randigere
Varoyi kunditetena apo muchenjere
Wangu mutumbi unoyera
Kuyera zvokudyiwa ne honye chete

Vemanatsawafa ndikakunzwa tatoburana
Kuburana zvekumuka chipoko
Ndiri munhu ndaitadxa revai chokwadi sezvachiri
Musarova imbwa makaviga mupini

Kufa chete harisi dambe
Vekushongedza guva rangu ndaramba
Rangu guva kurai ivhu chete muumbiridxe
Zvematombo anoera amavara engure ndaramba
pungwe vatirai nhetembwa dzangu nekuimba chinyakare
Pfondo, muchongoyo huruva tsvete '
Kufa chete hausi muchohwe
Murume igweme
Gweme chinohwehwedza pose pose
Nda va chando kudai muvatambirewo vana vemusango

Kuvatambira nemoyo wose ndini muzvinanyere
Ndasiya ndanyan'anya marokwe
Kufa hako hakusi kupusa
Yangu nyama ndoyaenda mumvu asi mweya urikuona
Kuona imi vachatevera mangwana

COMMENTS OF THE POEM
READ THIS POEM IN OTHER LANGUAGES
Close
Error Success