MUNASAMORA MACHEL AVENUE Poem by Ignatius T. Mabasa

MUNASAMORA MACHEL AVENUE

MunaSamora Machel Avenue
Ndakatsika vamwe amai nemota
Asi handina kumira, ndakatiza

Ndakavaona pagirazi remumota
Mai vachibidirika nemarwadzo
Pedzisire vati pfau-pfau, favava, zii-i
Chingwa chavo chiri parutivi pavo
Asi handina kukwanisa kumira.

Nekutyira hupenyu hwangu
Ndakafambisa mota mubvonyongera
Ndichitiza bishi nebesanwa
Ndichivavarira kuenda kumba
Ndokunge kwakanga kuchinemba

MunaSamora Machel Avenue
Ndakatsika vamwe amai nemota
Asi handina kumira, ndakatiza

Mabara epfuti akanga achiridza miridzo
Vanhu vakanga vachitiza nehupenyu hwavo
Kwaive kutanga kwechimwe chimurenga here?
Hondo ine ropa, rufu nekuparadza…..

MunaSamora Machel Avenue
Ndakatsika vamwe amai nemota
Asi handina kumira, ndakatiza

Ndakavaona vachikuyiwa negonyeti
Ruwoko rukadambuka, musoro ukaputika
Mwoyo wangu wakajuja ropa navo
Asi handina kumira, ndakatiz

COMMENTS OF THE POEM
READ THIS POEM IN OTHER LANGUAGES
Close
Error Success