Ndafamba Kare Poem by Shelton Chiuswa

Ndafamba Kare

Zuva parakaturuka, nyeredzi dzakandipa chayedza
Pandapota dzimbahwe ndaveapo murimuka Sango dema.
Patakati tigu kujenaguru mbereko yako yaivemo muchiuno
Zuva parakaora ndaivepo ndiri miridzo yemhepo.

Vangererengere pavakayambuka save ndavemujinga memeso avo
Pawakabvuta tsimbo dzangu ndakaita mavivi emoto ndikatungira rwendo.
Ndakazorora mubako ndakakumirira uchauya chete.

Pavakanditanangira ndakarumisa nemago
Pavakandisema ndakavawonza nenzara.
Zvipfuwo zvakapfukutwa, nzizi dzikapwa ndavendirimo mubako ndakakumirira.

Zvauchiri nemukaka pamhino pachiso asi muhana ndini iwe
Usavhunduka mapete kana zvipfukuto zvishambwa zvaunotswanya neminwe.
Ndakange ndakakumirira chirega ndichiparura ngoma.
Usaridze huwi nekuti mafeso achimuzhira ngatiparure ngoma
Ndakafamba kare muzukuru

COMMENTS OF THE POEM
READ THIS POEM IN OTHER LANGUAGES
Close
Error Success