Ndakaitei Poem by Shelton Chiuswa

Ndakaitei

Misodzi mumatama arimafashamu neshungu,
Mitsara tika-tika kuita mihomba mumapfeka edzoro,
Miromo mbuu sejenaguru raMuchineripi,
Mutumbi chimisikidzo yenguva pfungwa nendangariro,
seChapungu kumakore zete,
Kumapitsi enguva nhoroondo dzaTagwireyi kudzeya mapfupa epfungwa.

Rushambwa rwakauya pakadonha rukuvhute,
Fungiro yemavambo pakadonha meno ekumatadza,
Ziso paraikaita saKondo ndipo here kana ndakabarwa norukonye,
Minwe dzakave mbezo dzemuguru rwaChangamire,
Shoka richirovera utesvi kumahombakombe enjere,
Chere maikaitei kuti ndive ndove yeChimbwamupengo

Ndichiti ndiridze mhere ndongohwa maungira esetswa yaMatonjeni,
Mumakata epfungwa dzodzeya mhosho yeraramo yangu,
Jindaguru ndoombera wani, munyanhirira nekufukwa kwezuva,
Zvikari ndobika wani kuti pfuma ipfumbire, Fodya yamuchengeti ndofemba wani ndichi potsa kune varikumhepo,
Musikanvanhu hwai ndotura wani kumutimukuru,
Ndakaitei nhai mambo wangu, ndakaitei nhai musiki imhosho ipi yandatsikira mudandaro

COMMENTS OF THE POEM
READ THIS POEM IN OTHER LANGUAGES
Close
Error Success