Ndiringe Poem by Shelton Chiuswa

Ndiringe

Honaika zvawaparara nechakapedza mbudzi,
Pfumo reropa royerera renyu ropa rakayerera muna Runde, Gwizi rakaita kunge rateurwa hute dzaMakope
Nyakubaya nyemwe zviga zvainge zvagadzwa mumabendekete ohupenyu.
Ndimiwo pfau pfau musimikidza yezvaivepo kare mumeso ichive ngangariro nemisodzi.
Takanosvitsa nhaurwa kuMutimukuru kwatakapanganwa zviito zverwendo.
Makapetwa mumachira machena enyu aye, makaradzikwa mugomo reDande.
Tsvimbo dzaka misikidzwa kusvika zuva pane achauya.

Vakakwidza vakadzika, vakayeredza zviyerwa, mvura vakanwa
Vakasunungura zvaive zvakasungwa, vakaputsa makona
Vakapisa zviga zveNgozi mumisha.
Ndiringe ndichishava-shava ndiwane chandinobata
Ndibvumbamire ndisawane anondikandira pfumo rakaipa.
Ndiringe mhukahuru ndisvike kwamunoda kuti ndisvike

COMMENTS OF THE POEM
READ THIS POEM IN OTHER LANGUAGES
Close
Error Success