Pfimbi Poem by Shelton Chiuswa

Pfimbi

Uchazova vhenekero redzinza
Mitunhu inemiti Mhukahuru ichadzupura
Iwe chako kuzendama pamuhacha womirira
Zvinyavada tichatswanya musoro yemarize tichimedza,
Usavhunduke mhamhasi mauto eruchengeto.
Nyemwe iyo ngaisadonhedze rute rwaKuvheya,
neni unoona madhunamutuna.
Takakuona paye kurwizi wakandipa mvura,
Takasangana pamuchakata wakabvuma kundiziva
Wakandipa matamba manyoro ndakapakata,
Tapfurusero too.bera manja ngatichimirira nguva.
Ngasaite sepfimbi yegudo nekuti ipfimbi ndeyedzinza.
Chiita pfimbi vachirera dzinza neluti wenyu mupanda takaimirira
Musadokwaira neshungu nzira ndiyoyi.
Nzeve nganzinzwe meso aone veVhudzijena ndiyo
pfimbi yangu yematunhu mana.

COMMENTS OF THE POEM
READ THIS POEM IN OTHER LANGUAGES
Close
Error Success