Imomo mugwenga
Ndakaona chipuka, chakanyenama, chinotyisa,
Chaive chakachonjomara pasi,
Chakaita kubatira hana mumaoko,
Chichiin'en'enura n'en'enura.
Ndakabvunza, "Zvino irikunaka here, hama? "
"Irikuvava kani- kuvava, " chakandipindura
"Asi ndinongoida zvakadaro
Ñekuti irikuvava
Uye nekuti ihana yangu."
(Translated from English to Shona by Cosmas Mairosi)