Zvemoyo Poem by DDP DEAN POETRY

Zvemoyo

Ko nhai Nehoreka vemumakomo anoera
Vemuninga dzakadzika dzika, ,
Kwenyuyo kuMatopos, nekuMabweadziva
Ndakakuratidzai wani hushingi hwangu,
Paye ndichikubikirai doro!
Ndaivepowo paye pakarohwa makuva,
Ndikaitawo mipiro yangu
Nhongo iya yakadyiwapo
Ndini nyakuripira sezvamunoziva.!

Ndinokutendai, makandidzidzisa tsika dzakanaka
Hunhu hwakanaka mukandidzidzisazve iyemi,
Iyemi madzitateguru angu vari kunyika dzimu,
Njere dzangu makadzirodza, mabhuku ndikadya mabhii, zvokurevesa.
Nanhasi nefundo ndinodada, hapana anoti pwee.
Ndinokumbirawo vadzimu musvitse shoko rokutenda.

Munditenderewo nemufaro wose chaizvo,
Runako makandipa, ndiri shongarunako ruvarebani,
Tsoka vaSimboti, mushayachiraswa.
Hupfumi haiwa ndiri hwereshenga, makandinyevera matsvagirwo emari!
Kusatenda huroyi diko.

Asi..
Chinhu chimwe chete chamunenge makazokanganwa,
Makazokanganwa kundidzidzisawo zvemoyo,
Nhai vadzimu woye, zvakunonzi abereka otochena moyo.
Dai makandidzidzisawoka zvemoyo
Ndikapa uyu rudo, wotambwa nawo sebhora.
Kutosiiwa ndichinzi ndini muparanzvongo,
Ndikatizve ndezvezuvaro,
Mangwana pane mumwe, zvokona n'anga, zvemoyo
Ndogarochema zuva nezuva misodzi pamatama senzizi pamadirirano 😭

Rimwe gore ndakasiiwa ndatarisana nesvitsa,
Moyo ukatsemuka kuti tsemu 💔, handina kuzotendazve murudo.
ko makadii kundidzidzisawo zvemoyo vaTangwena,
Zvandinenge ndichakarochemberera pambapo.
Ndouyako here mondiruma nzeve?
Moyo unongorwadza makadii kundidzidzisawo zvizere?
Yandiinayo nhamo ndeyemudzanga,
Unoti uku wakarumwa uku uri kutsva.

Zvanezuro chaiye ndakanzi 'You're not my type' ndotosiiwa
Asi makisimusi ndadyawo akati wandei, ndinotarisika
Avengwa anhuhwa, ini yangu mhosva ndeipi?
Ndiwo matengumutinya nguwo dzouswa, haugare pasi kana kudziya moto nadzo.
Zvemoyo kuti mundidzidzise munoda chimbadzo here?

Ndinokuremekedzai wani, nokukudza vakuru, zvose,
Ko yangu mhosva ndeyei kunge ndini mhosva
Ndinoshuvira rombo rakanaka kubva kwamuri,
Kana zvichiita vadzimu timboita hurukuro,
Pandichazama zvimwe munditungamirewo,
Asi makadii kundinyeurirawo nezvemoyo



GAPU RENHETEMBO|| Dean P DUMBURA

POET'S NOTES ABOUT THE POEM
Love needs seriousness
COMMENTS OF THE POEM
READ THIS POEM IN OTHER LANGUAGES
Close
Error Success