Poet jerrimos mugweni(ZVAVANHUVEVHU)

Rookie (15 dec 1985 / gutu mission hospital. Gutu, Zimbabwe)

Jesu Nditumeyi - Poem by Poet jerrimos mugweni(ZVAVANHUVEVHU)

Ndoda kuenda kunotandara chete. Ndoda vaya vanopfeka Musandizeza nemhete. NDODA twuvana Twucheche cheche. Ndoda mhondi. Mbavha namakororo. NGOCHANI NDISINGAKANGANWI. Ndoda kumbogara navo Vasati vanoroya. Dzavo Nguvo vachakasimira.

Ndichangoti dzavo Dzisanzwa sedzinorima. Chero zvavo vari mudarima. JESU nditumei. Kungononamata navo vasati vandoponda kasvava. Ndoda ndivepo pavanobvisa Mimba. NDINGONAMATA NAVO VANA VENYU vasati vagarwa Zvipfuva. JESU nditumeiwozve. Kune avo Vari kuvata nayo zhara yavakavata nayo Zuro. Kune vangosara hona mweya uchifemwa. Ndoda kungotambura nawo Mukondombera senherera. Iya Iya YOKWA YEKERA A A! . JESU nditumeiwozve. KUNONAMATA NAVO VANA VACHECHE. Vacheche cheche vamakati ngavavuye kwandiri. Kune vasati vava nechivi kunemi. Ndodawo Rwendo runo Vambovuyawo Kwandiri. Ndingowana AAWAA! Rimwe navo musati mandiradzika. Ndivataurire ngano Yandakataurirwa nambuya vangu Mbuya VaRungano. Ndichivayimbira 'SIMUDZIRA MAWOKO KUNA JESU.' JESU nditumeyi. Kune Zvavanhuvevhu.


Poet's Notes about The Poem

For God so Loved the world and everyone. And everything in it. My prayer to Jesus our Lord to Send Me to share a Short prayer wth the victims Especialy Children. POEM BY Jerimos Sir Zvavanhu Mugweni.

Comments about Jesu Nditumeyi by Poet jerrimos mugweni(ZVAVANHUVEVHU)

There is no comment submitted by members..



Read this poem in other languages

This poem has not been translated into any other language yet.

I would like to translate this poem »

word flags

What do you think this poem is about?



Poem Submitted: Thursday, August 16, 2012

Poem Edited: Friday, August 17, 2012


[Report Error]