Sane Poem by Chenjerai Mhondera

Sane

Ndichati kuna iro
dondipawo hero,
Tiwadzane munero

tikwazisane makadini?
titambirane mauya!
Tichemedzane,
Tidembedzane,
Titi uyu mungani wangu, kuna mungani wangu
Titi uyu ndiSane wangu, kuna sane wangu,

Rigove zuva rimwe,
Mufaro mumwe,
Humwe
Tiri tose

Saturday, March 30, 2019
Topic(s) of this poem: relationships
COMMENTS OF THE POEM
READ THIS POEM IN OTHER LANGUAGES
Close
Error Success