Munyaradzi donald II Kuutsi


Humba[nyanguru] - Poem by Munyaradzi donald II Kuutsi

Maita Humba Nyanguru,
VaBarwe,
mukaonekwa naani mubarwe
Maita Makombe,
Chifukura pasi nemuromo,
Vasingatsanyi chiro,
Maita Honde Makombe,
Zvaonekwa Humba Nyanguru
Zvigare zvakadaro Chitamba nematope,
Maita Humba Nyakupfuya
Chikanya namatope,
Varimi vanorima nemuromo,
Vatsuri Venyuchi,
Maita Nyanguru, Humba.


Comments about Humba[nyanguru] by Munyaradzi donald II Kuutsi

There is no comment submitted by members..



Read this poem in other languages

This poem has not been translated into any other language yet.

I would like to translate this poem »

word flags

What do you think this poem is about?



Poem Submitted: Friday, January 18, 2013



[Report Error]