Zvimwe zvese takagovana asi kune imwe nhaka. Ivhu takagovana vamwe vakawana. Vamwe vakashaya. Vakamira mira vakomana ruri gatyumbwi. Chiriporipocho takanzwa hondo yeminda. Tatora zvikanzi rambai makashinga. Kwaive kurutakudzwa svinga nzara ndiye togo o. Ma Talks Ma talks. Dzamare pfocho-o! . Yemubatanidzwa. Asi nhaka yababa ndeyavana. Kupa vatorwa masvosva mangoyi. Nhaka yababa ndeyavakagwinya. Mubvutidzanwa gango remaputi. Inhaka yavakatisiira nhaka yevhu. Regai ndizvireve ini zvavanhu vevhu. Nekuti ndezvavanhu. Pasina vanhu hapana nhaka.
This poem has not been translated into any other language yet.
I would like to translate this poem