Bond Zimbabwe Gunga -Isizwe Poem by Poet jerrimos mugweni(ZVAVANHUVEVHU)

Bond Zimbabwe Gunga -Isizwe



Mhayi Zvamarovera pasi Zvawanda,  
Nemi Baba, murikungosiya, Makati hanger.
Semi zvenyu sekuru, pachainzi Bwa a a, Maivepi! ? .
Pano ndauya nawo Mufungo Mutsva,  
Hameno zvavo, vanosvotwa. Nezvitsva,  
Serumbo vachaita, serwatsva-tsva-tsva  rwakatsva murutsva.
Sezvo ndati pasina kubatana, hapana chinobuda Chitsva.

Uyu mufungo kune uyo afunga Gunga.
Wafunga Zvawafunga, Funga kusvika vati, 'pafungwa.'
Vasazosara vachitsutsumwa kuti 'Ha a a ah! , patsikwa tsikwa.'
Wafunga zvawafunga, ukafunga zvaunofunga.
Mupfungwa, wozviwudza kuti, ' Wafunga a a! .'
Iwe hezvo kana hapana zvawafunga. 
Nokuti Gunga, harina kumbopinda  Mune dzako Pfungwa. 
Zvafungwa, hapana  Mupfungwa.
Pamifungo inofungwa  , Nevafungi 
VemuZimbabwe  Vane pfungwa Dzokufunga.
Vanoti kana vafunga zvotowonekwa kuti pafungwa.
Vanofunga, Gunga! Zimbabwe  mupfungwa.
Vobatana nezvido zvaVanhu, Mupfungwa. 
Dzavo pfungwa vodzipakurirana navose.
Voti funga, kusvika vati pafungwa. 
Ukawona, poridzwa  mheterwa, mipururu nendgaringo.
Panenge pafungwa navafungi VeGunga-Isizwe, Bond ReZimbabwe! . 


Harisi Co-Vallent  Bond. 
Haringamboiti Dipoles dipoles.
Harina kusimba. Se pole remureza.
Haringamboiti Metallic Bond. 
Handingadi kuti rive Ionic Bond. 
Kwandiri  I Gunga-Isizwe><Bond. 

COMMENTS OF THE POEM
READ THIS POEM IN OTHER LANGUAGES
Poet jerrimos mugweni(ZVAVANHUVEVHU)

Poet jerrimos mugweni(ZVAVANHUVEVHU)

gutu mission hospital. Gutu, Zimbabwe
Close
Error Success