Vakafa havana chavakaona,
zviri pano pasi zvakawoma.,
Chokwadi pasi papinduka
vanhukadzi vave kufamba vakashama yowe! ! Yowe! ! Asi ndichochimanje manje chacho?
Vanakomana vave kupfeka madhikauzi, chokwadi chirungu chakauya nengarava, hanzi zizi muhuku ndave hukuwo, hameno tongowona kuti zvinosvikepi pamwe ndichochimanje manje chacho, umm ummm! ! , Chokwadi
vakava havana chavakaona, vanakomana zviwuno
hazvisisiri panzvimbo, zvave kutangira pazasi pemagadziko,
vana voita nhaurirano nevabereki
mawoko ari mumbudu, eh! ! tongowona,
Makuna kuna ari kuitwa pasi pano umm, pasi papinduka, kana baba vave kurara nemwana vavo,
Mvura inonaya here? um kuti tave kumagumo ndofunga, pepukai hama wee! ! Mhanyai nehupenyu hwenyu pasi pasati patisveta, nekuti pasi rino rapinduka
This poem has not been translated into any other language yet.
I would like to translate this poem
ndiri kutsvaga mutinhimira wenhetembo unana Hamutyinei nana WB Chivauro. pane inonzi Dongo Ramandidzimba