Munyaradzi, ziva kwawakabva machewe,
Cheuka, uringe nzira yawakafamba, mukati me rwendo,
Natsai kwamabva kwamunoenda usiku MAKOMBE,
Ipa rutendo nerukudzo nezvawakaitirwa,
Kunyangwe zvazvo pangave nezvimhinga mupinyi, TENDA,
UZIVE KWAWAKABVA,
Kwawakabva kure Munyaradzi,
Maziso ngaasvinure muwone chiedza MAKOMBE,
Cheuka kwawakabva, unatse kwawakabva,
Kwaunoenda usiku,
Uve munhu ane ‘'HUNHU'',
Zvinoratidza kuti wakabva kune ‘'VANHU''
ZIVA KWAWAKABVA
This poem has not been translated into any other language yet.
I would like to translate this poem
eheka. ndizvo chaizvo. kukurudzira mutauro wedu wkapfuma kudai.