Nhaka ndozvireva, jakwara riri pamana
Musandichonya, nyangwe mukwenye handicheuki
Nhaka ndozvidura vakomana
Nyangwe kwashe zvapajakwara hazvicheukwi
Ndoita kushaura pasina usahwira kana cheukama
Ndoita kuti dyo-o, pasina pamunhondo pamusasa
Nhandi mbuya vangu Chipo
Ndodzidziso yacho yehuroora yepaRusitu here
Kuti murume unopesaniswa nehama pamwe nevana
Ndochingezi here kukudza muramu kudarika muchengeti
Ko iwe muramu zvowobetsera kubaya weropa nemutorwa
Anyanyoipei Tigere kubva mafuratidza nemoyo yeake mapudzi
Zvozvosiririsazve nhai vehama
Tatenda zvauri dangwe wotangazve kurasha wakakuumba
Nyarai nenyadzi wakatungamira zvimwe kwaive Kudakwashe
Warova Kuda kuno ndoziva tichakuona wozochengeta Madube
Ndipei zvangu mukombe huro yaoma
Chizukuru chimonera pachitsiga icho pachoto ndibatidzire
Achatemwa dzinobva ropa Chomugodhi
Tose pake pamukova takadya sadza
Kamativi, Empress nepaRedcliff
Nedzake tsitsi takachapfanya nokufara
Nhaka otsvaga mubatsiri
Tose mwanda mwanda kana mumwe odeera
Asi mwari muchengeti woita zvishamiso
Vana vakaitwa ndokukangamwiwa pake pamukova havachabvi
Wavanyadzisa Shingi, ramba wakashinga
Newevo Farai zvawakaita zvikuru
Zvozvosvodesa kuona mbuya Makanza vachishingaira vasina kusumwa
Ndokuti mbuya here Madube iwe washunama
Koi we T.E.T hanzvadzi wakaisepiko
Ko vanun'una zvavo
Zvowotoita chiseko chenyika rakachekanyika
Vose vakakurira mumba mako varipiko
Vakoniwa here kutsvaga mushonga iwe waivashongedza
Regai ndidudze zvikada bundu ringaserere
Ndotenda veChiguhune nokuda kwenyu akapfeka emarooro
Wake wokubereka kana rokukururira zvaro
Kuona muzukuru chinotove chishuwo
Deno baba vaitandisa botso
Ndaizopembera vakomana mapfeka marengenya
Panhasi regai ndigumire pano
Asi rungano harupereri pano
Gore raanoti pasi dhi-i chokwadi muchandiona
Hamumuchemi misodzi yenyu yamakarwe
Motonamata nditange ini kushevedzwa
Zvisizvo rufu rwake ruchaita sejakwara
This poem has not been translated into any other language yet.
I would like to translate this poem