Pakukura Poem by Wensy Mbirimi

Pakukura

Mune waGunyana mwaka
Jerina, Rungamai mwana achibara
Nhamo yose panyika yotevera
Wedangwe mwana yotevera

Chose chikoro choitwa
Gona. Nokuti uri wedangwe
Munun'una ndokunyimwa
Mbiri hanzvadzi ndokupiwa
Rungamai serako zita worurama

Wakura wosevenza waroora
Nhamo mai voti yopera
Baba vasipo, kunyika dzimu vaenda
Wedangwe yave yako nhamo
Wedenga zvakare okuseka vako mai wotora
Hanzvadzi, vana, nevazukuru
Pasina mubetseri wochengeta

Rwako rufu Rungamai wamirira
Zvikada murufu yako nhamo ingapere

Thursday, January 15, 2015
Topic(s) of this poem: life
POET'S NOTES ABOUT THE POEM
Growing up trials and tribulations
COMMENTS OF THE POEM
READ THIS POEM IN OTHER LANGUAGES
Close
Error Success